16. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”
17. Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.
18. Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.
19. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.
20. Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka.
21. Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.
22. Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.