1. Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.
2. Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?”
3. Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza.
4. Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.
5. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;
6. zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuwidza;
7. zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo.
8. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.
9. Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.