1. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
2. Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.
3. Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.
4. Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
5. Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.