15. “Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko.
16. Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17. Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
18. Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19. mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20. Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21. Handina munhu wandinofanira kutsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22. nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, muiti wangu aizokurumidza kunditora.