21. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”
22. Ipapo muchasvibisa zvifanananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”
23. Iye achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.