Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino, ava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.”