1. Shure kwaizvozvo, panguva yokutonga kwaAtazekisesi mambo wePezhia, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,
2. mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZodhaki, mwanakomana waAhitubhi,
3. mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,
4. mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,