2. vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
3. zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
4. zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
5. zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
6. ZvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
7. zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
8. zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
9. zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
10. zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
11. zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
12. zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri;
13. zvaAdhorikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;