21. Hadhorami, Uzari, Dhikira,
22. Obhari, Abhimaeri, Shebha,
23. Ofiri, Havhira, naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
24. Shemu, Arifakisadhi, Shera,
25. Ebheri, Peregi, Reu,
26. Serugi, Nahori, Tera
27. naAbhuramu (iye Abhurahama).
28. Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.
29. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisani,
30. Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema,
31. Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.
32. Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani vaiva: Shebha naDhedhani.
33. Vanakomana vaMidhiani vaiva: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.