Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.